Skip Navigation

DVD Ilustrado Multilíngue

The Biology of Prenatal Development


8 - 12 Semanas


CHIDZIDZO CHEBIOLOGY PAKUKURA KWEMWANA MUDUMBU

.Shona


 

Baixar Versão em PDF  O Que é PDF?
 

O Período Fetal (8 semanas até o Nascimento)

Capítulo 37   9 Semanas: Engole, Suspira e se Estica

Zera re"fetal period" rinoguma panoberekwa mwana.

Pamasvondo mapfumbamwe, kuyamwa chigunwe kunotanga, iyi ndiyo nguva mwana anenge avekumedza "amniotic fluid".

Pano "fetus" inenge yavekubata zvinhu, kufambisa musoro kuendesa kumberi nekumashure, kushama nekuvhara muromo, kufambisa rurimi, kufemereka nekuzvitatamura.

Tsinga dzekumeso, nedzemukati memaoko, nemukati metsoka dzinenge dzavekunzwa kubatwa.

"Kana ikabatwa zvinyoro-nyoro mukati metsoka," "fetus" inokotamisa magaro nemabvi kanakupeta zvigunwe.

Pano maziso anenge Akanyatsovharwa.

Muhuro munenge mavekuwonekwa, nhengo dzekubudisa izwi uye izvi zvinoreva kuti izwi ravekuzobuda.

Muvanasikana, chibereko chinenge chavekuonekwa uye zvese zvemumhukadzi zvinenge zvavepo, ma "cell" acho anonzi "oogonia", anenge achigadzirwa muma "ovary".

Zvinoratidza kuti munhuyiko zvoonekwawo kuvakomana kana vasikana.

Capítulo 38   10 Semanas: Revira os olhos e Boceja, Unhas e Impressões Digitais

Kukura kwakakurumidza pakati pemasvondo mapfumbamwe negumi kunowedzera huremo hwemiri zvakanyanya (75%).

Pamasvondo gumi, kubwaira kunenge kwatanga kunokonzera kuti ziso rigone kufamba richitarisa pasi.

"Fetus" inotanga kushama nekuvhara muromo.

"Fetus" zhinji dzinoyamwa chigunwe chekurudyi.

Divi rehura mudumbu hwakabatana neguvhu hwavakudzokera mukati medumbu.

Kusimba kwemapfupa kwavekuitika.

Nzara dzeminwe nezvigunwe dzinenge dzavekutanga kukura.

Minwe yakasiyana-siyana inotanga Kubuda pakupera kwemasvondo gumi. Izvi ndizvo zvinoshandiswa pakuzivisa munhu muhupenyu hwese.

Capítulo 39   11 Semanas: Absorve Glicose e Água

Pamasvondo gumi nerimwechete mhuno nemuromo zvinenge zvanyatsobuda. Sezvinoita nhengo dzemuviri, zvinoshanduka nekukura uye nguva yega-yega inezvainoita pamakuriro emunhu.

Hura hunotanga kuchengeta zvekudya nemvura zvinenge zvamedzwa ne"fetus".

Kuti munhuyiko? zvinogadzirwa pakusangana, zvonoratidza kuti munhuyiko zvinotanga kuonekwa pamurume kana mukadzi.
8 - 12 Semanas