Skip Navigation

DVD Ilustrado Multilíngue

The Biology of Prenatal Development


6 Meses - Nascimento


CHIDZIDZO CHEBIOLOGY PAKUKURA KWEMWANA MUDUMBU

.Shona


 

Baixar Versão em PDF  O Que é PDF?
 

Capítulo 43   5 a 6 Meses (20 a 24 Semanas): Responde ao Som; Cabelo e Pele; Idade de Viabilidade

Pakupera kwesvondo makumi maviri anemana maziso anotanga kusvinura uye "fetus" inotanga kubwaira. Kutanga kunzwa, mheremhere kunonyanya kukurumidza kutanga pa "fetus" yechikadzi.

Vanamazvikokota vakawanda vanoti kunzwa mheremhere uku kunogona kukanganisa hutano hwe "fetus". Zvinowanzoitika apa kukanganisa marovero anota mwoyo, "fetus" ichikurumidza kumedza, nekukurumidza kushanduka magariro. Zvinogona kunganganisika zvachose zvinosanganisira kusanzwa zvachose.

Kana "fetus" ichikanganisika pakufema kana kuzarirwa zvakafanana nekufemera mukati nekunze kanokwanisa kuita ka44 paminiti yega

Pachidimbu chekupedzisira chemwedzi mitatu yenhumbu, uropi hunokurumidza kukura uye simba zhinji rinoshandiswa ne "fetus". Kurema kwehuropi kunowanda zvakapetwa kanokwanisa kuita kashanu

Pamasvondo 20 anematanhatu misodzi inotanga kubuda.

Maziso anotanga kunzwa kutosvorwa, pamasvondo makumi maviri nemanomwe Kutosvorwa uku kunoita kuti kupenya kusasvike mukati meziso muhupenyu hwemwana hwese.

Zvese zvinodiwa pakushandisa nhengo dzinonhuhwidza zvinenge zvavakushanda Zvakaongororwa pamapurimicha zvinoratidza kuti kugona kunhuwidza kunotanga pamasvondo makumi maviri nenhanhatu muchangosangana.

Kanapakaiswa chinhu chinonhuwirira mukati me "amniotic fluid" zvinowedzera kumedza kunoitwa ne "fetus". Pane zvinoita kuti, "fetus" ikanganisike kumedza nekunge paiswa zvinovava. Kazhinji kufinyamisa kumeso kunotevera.

Dzimwe nguva pane kunenge kukava makumbo kwakafanana nekufamba,kunoitika kunenge kusvetuka-svetuka.

Iyezvino "fetus" inenge isisina kuwunyana kumeso sezvo mafuta anenge avekuwanikwa mukati meganda. Mafuta anobatsira kuti muviri usatonhorwe Uye kupa simba kumwana kana aberekwa.

Capítulo 44   7 a 8 Meses (28 a 32 Semanas): Discriminação de Sons, Estados Comportamentais

Pakupera kwemasvondo makumi maviri nemasere 'fetus'inokwanisa kunzwa mhere-mhere nezeve-zeve.

Pakupera kwemasvondo 30,kuratidza kufema kunenge kwavekuonekwa uye kwavekuonekwa nguva zhinji mu "fetus" zhinji.

Pamwedzi mina yekupedzisira yenhumbu, "fetus" inoratidza nguva yekutamba igoratidzawo nguva yekuzorora. Izvi zvinoratidza zvakahwanda zviri mukati-kati metsinga dzehuropi.

Capítulo 45   Os Membros e a Pele

Pamasvondo makumi matatu Anemaviri zvinonzi "alveoli", kana zvekufemesa, zvinotanga kukura mumapapu. Izvi zvicharamba zvichikura kusvikira mwana avenemakore 8.

Pamasvondo 35 "fetus" inenge yavekugona kubata.

Pano "fetus" yanga ichiwana Zvakawanda-wanda zvichaita kuti mwana adewo izvozvo kana azvarwa. Pano tingati "fetus" inamai vaidya "anise", chidyo chinopa chiwitsi che"licorice" manakiro, achadawo kudya "anise" kana azvarwa. Vacheche vasina kumboraira "anise" mudumbu havadi kana kuidya.

Capítulo 46   9 Meses até o Nascimento (36 Semanas até o Nascimento)

'Fetus' ndiyo inotanga kuda kubuda nekubuditsa ma"hormone" akawanda anonzi "estrogen" uye ndipo panotanga kushanduka kwe "fetus" kuita mwana.

Kurwadziwa kwamai kunokonzerwa nekutatamuka kwechibereko, zvinokonzera kuti mwana aberekwe.

Kubva pakusangana Kusvika pakuzvarwa nekukura, makururo emunhu chinhu chisingapere, chinoenderera, uye chisina anoziva. Pane zvitsva zvirikuwanikwa nezvenyaya iyi inoshamisa chaizvo zvinoratidza kukosha kunoita kuchengeta "fetus" ichikura zvinova zvakanaka uye zvinopa hutano hwakanaka.

Kana tichiramba tichiwedzera kunzwisisa kwedu nyaya iyi, zvichatibatsirawo kuti vana vawane utano hwakanaka vasati vazvarwa nekunge vazvarwa.
6 Meses - Nascimento