Skip Navigation

DVD Ilustrado Multilíngue

The Biology of Prenatal Development




CHIDZIDZO CHEBIOLOGY PAKUKURA KWEMWANA MUDUMBU

.Shona


 

Baixar Versão em PDF  O Que é PDF?
 

Desenvolvimento Embrionário: 4 a 6 Semanas

Capítulo 11   4 Semanas: Líquido Amniótico

Mumashure memasvondo mana mvura inonzi "amnion" inokomberedza "embryo" igozadza munogara zai. Iyi mvura haina hutachiona uye inonzi "amniotic fluid", uye ndiyo inodzivirira "embryo" kuti isakuvadzwe.

Capítulo 12   O Coração em Ação

Mwoyo unorova zvinoverengeka Kuita zana nemakumi matatu piminiti rega.

Apa onaiwo Kuchinja ruvara kunoita mwoyo kana ropa richipinda nekubuda munhengo dzemwoyo paunorova.

Mwoyo unorova kanokwana makumi mashanu emamiriyoni mwana asati aberekwa uye zviuru zvitatu zvemamiriyoni Kana tichiyera upenyu hwemakore makumi masere

Capítulo 13   O Crescimento do Cérebro

Makurumidziro ekukura kweuropi kunoonekwa nemapindukiro eruvara rwe "forebrain", "midbrain", ne "hindbrain".

Capítulo 14   Brotos dos Membros

Maoko nemakumbo anoonekwa kutanga kukura nekubuda kwezvinenge mazvimbiswa mumasvondo mana.

Apa ganda rinenge richinjenjemera nekuti rinenge rakakora se'cell' rimwechete.

Kana ganda richikora, kunjenjemera uku kunopera, zvinoreva kuti tinogona kuona nhengo dzemukati dzichikura kwemwedzi mumwechete unotevera.

Capítulo 15   5 Semanas: Hemisférios Cerebrais

Pakati pemasvondo mana nemashanu, uropi unoenderera nekukura hwopetana-petana kuita mapato mashanu akasiyana.

Musoro unotora nzvimbo huru ye hukuru hwe"embryo".

Nzvimbo inogara huropi Inenge denderedzwa ndiyo inoratidzika ichikura panhengo dzose dzeuropi.

Mabasa ese anotanga kuitwa nehuropi anosanganisa pfungwa, kudzidza, kuchengeta pfungwa, kutaura,kuona, kunzwa, kufambisa nhengo dzemuviri, uye kupindura mibvunzo yakaoma.

Capítulo 16   Vias Respiratórias Principais

Pakugadzirwa kwenhengo dzekufema, divi rekurudyi nedivi rekuruboshwe rwemapapu rwunenge rwakasiyana uye rwuchazobatana gare-gare negurokuro nemapapu.

Capítulo 17   Fígado e Rins

Onaiwo kukura kwechitaka chakazadza dumbu uye chakabatana nemwoyo urikurova.

Itsvo dzakakwana dzinoonekwa mumashure memasvondo mashanu.

Capítulo 18   Saco Vitelino e Células Germinativas

Kasaga kane ma"cell" ekutangisisa kuvaka munhu anonzi ma"germ cells". Mumasvondo mashanu aya ma "germ cell" anotama kuenda kunezvekuita mwana zvinowanikwa pedyo neitsvo.

Capítulo 19   Placas da Mão e Cartilagem

Mumasvondo mashanuwo, "embryo" inoita zvekuvaka maoko, uye mabhonzo akapfava anotanga kuitwa kwapera masvondo mashanu.

Pano tinoona Kugadzirwa kweruoko rweruboshwe nechanza chacho mumasvondo mashanu nemazuva matanhatu.