Skip Navigation

DVD Ilustrado Multilíngue

The Biology of Prenatal Development


6 - 8 Semanas


CHIDZIDZO CHEBIOLOGY PAKUKURA KWEMWANA MUDUMBU

.Shona


 

Baixar Versão em PDF  O Que é PDF?
 

Desenvolvimento Embrionário: 6 a 8 Semanas

Capítulo 20   6 Semanas: Movimento e Sensação

Pamasvondo matanhatu dende rekuchengeta huropi rinenge richikura nekukurumidza kukunda dzimwe nhengo dzehuropi.

Pano "embryo" inotanga kuita mafambiro anenge kugwina-gwina. Izvi zvinodiwa nekuti zvinokudza inonzi "neuromuscular development".

Mukabata muromo munoita kuti "embryo" idzosere musoro mukati.

Capítulo 21   A Orelha Externa e a Formação de Célula Sanguínea

Pano nzeve dzinotanga kukura

Pamasvondo matanhatu, kugadzirwa kweropa kunenge kwatanga muchiropa munowanikwa ma"lymphocytes" achigara imomo. Idzi nhengo dzinowanikwa muropa ndidzo dzakakosha pakugadzira masoja emuviri.

Capítulo 22   O Diafragma e os Intestinos

Pazasi pemapapu, panenhengo inoshandiswa pakufema kwemunhu, uye pamasvondo matanhatu inenge yakwana.

Pano ura hudiki hunenge huchionekwa uye ndihwo huchaita guvhu ichi chinhanho chinonzi "physiologic herniation", uye chinogadzirira dzimwe nhengo dzinowanikwa mudumbu.

Capítulo 23   Placas da Mão e Ondas Cerebrais

Pamasvondo matanhatu maoko anotanga kunyatsoonekwa

Uropi unenge hwava kutoshanda mumasvondo matanhatu nemazuva maviri.

Capítulo 24   Formação do Mamilo

Minyatso inotanga kukura mumativi emuviri ichienda kunzvimbo inowanikwa minyatso pamberi pechipfuva.

Capítulo 25   Desenvolvimento dos Membros

Panopera masvondo matanhatu nechidimbu, magokora anenge avakuonekwa, zvigunwe zvinotanga kunyatsoonekwa zvisina kubatana uye ruwoko rwunogona kufamba-famba.

Mapfupa anenge achisimba,uye izvi zvinonzi "ossification", zvinotanga nebvupa repabendekete kana kuti "collar bone", uye mapfupa eshaya dzepamusoro nedzepazasi.

Capítulo 26   7 Semanas: Soluços e Resposta a Susto

Munhikwi unowonekwa pamasvondo manomwe.

makumbo anoonekwa kutanga kufamba nekudaira kanamai vavhunduka.

Capítulo 27   O Coração Desenvolvido

Nhengo ina dzemwoyo dzinenge dzavakukwana. Pamagariro edu, mwoyo unorova kanokwana ka167 paminiti rega.

Kugwina kwemwoyo kunobatwa mumasvondo manomwe anechidimbu anoratidza marovero emwoyo wemunhu mukuru.

Capítulo 28   Ovários e Olhos

Mumadzimai panogara mazai,panenge pavakuonekwa pamasvondo manomwe.

Pamasvondo manomwe anechidimbu,Kutanga kweziso kunenge kwavakuonekwa zvakanaka uye chekubwairisa ziso, izvi ndizvo zvinotangisa kukura nekukurumidza.

Capítulo 29   Dedos das Mãos e dos Pés

Minwe yemaoko inonyatsokubuda uye zvigunwe zvemaoko hazvisisina kubatana nezvekutsoka

Maoko avakugona kusangana, uye tsokawo dzakusangana.

Mabvi avakuonekwa.
6 - 8 Semanas