Skip Navigation

DVD Ilustrado Multilíngue

The Biology of Prenatal Development




CHIDZIDZO CHEBIOLOGY PAKUKURA KWEMWANA MUDUMBU

.Shona


 

Baixar Versão em PDF  O Que é PDF?
 

Um Embrião de 8 Semanas

Capítulo 30   8 Semanas: Desenvolvimento do Cérebro

Pamasvondo masere uropi hwunenge hwakwana uye huremo hwacho hwunenge hwuchikwana hwuremo chidimbu che "embryo".

Pano makuriro acho anokurumidza zvakanyanya.

Capítulo 31   Característica de Destro e Canhoto

Pamasvondo 8,75% ye'embryo' Inenge ichishandisa ruoko rwerudyi Chidimbu chasara hachina chinoshandisa ruboshwe kunyanya kana kusavenehanya nazvo Uku ndiko kutanga kwekuona Vanorerekera kurudyi kana ruboshwe.

Capítulo 32   Virar

Magwaro ezvevacheche anotaura Nezvekushanduka kuti kunoonekwa masvondo gumi kana makumi maviri. Asika, kushanduka uku kunoshamisa kunokurumidza kuonekwa munzimbo dzine "low-gravity" inenge iri munonzi mu'amniotic sac'. Chinodiwa chete kushaya simba rekurwisana ne'gravitational force' inenge irikunze kwechibereko inodzivirira kushanduka.

Pano "embryo" inenge yave kutamba zvinesimba.

Zvinogona kunonoka kana kukurumidza, kamwechete kana kakawanda, ipapo-ipapo kana zvekuvhunduka.

Musoro nemutsipa zvinenge zvava Kutendeuka uye maoko achibata kumeso izvi zvinoitika nguva dzose

Kana "embryo" ikabatwa inobwaira, kana kuomesa shaya, kuda kubata, kana kufambisa zvigunwe.

Capítulo 33   Fusão da Pálpebra

Pakati pemasvondo manonwe nemasere,nhengo dzese dzeziso dzinokurumidza kukura dzigovhara ziso kunge richavharika zvachose.

Capítulo 34   Movimento de Respiração e Micção

Kunyange muchibereko musingapinde mhepo, "embryo" inoratidza kufema mumasvondo masere.

Panguva ino, Itsvo dzavakubudisa weti inosangana ne'amniotic fluid'

Mu "embryo" dzevanarume, panotanga kukura zvechirume pagotangawo kugadzirwa zvinonzi "testosterone".

Capítulo 35   8 a 9 Meses (32 a 36 Semanas): Formação dos Alvéolos, Segurar com Força, Preferências de Gosto

Mapfupa,nemajoyini, nyama, tsinga, ne tsinga dzeropa dzenhengo dzinenge dzanyatsofanana zvikuru nedzevakuru.

Pamasvondo masere ganda, rekunze, rinenge richikurawo rinenhengo dzakawanda, richipera kunjenjemera.

Tsiye dzinotanga kukura nemvere dzinokura kutenderedza muromo.

Capítulo 36   Resumo das Primeiras 8 Semanas

Pamasvondo masere ndopanoguma inonzi "embryonic period".

Panguva ino, "embryo" yega-yega inenge yabva mu"cell" rimwechete kusvika ma"cell" anokwana zviuru nezviuru zvemamiriyoni anovaka zviuri zvina zvenhengo dzakasiyana.

Panguva iyi "embryo" inenge yave nenhengo dzese dzayo dzakafanana nedzevanhu vakuru.