| |
Capítulo 1 Introdução
|
| |
| Nzira inoshamisa chaizvo
inokonzera kuti kazai kamwechete
kapinduke kuita zviuru zvakawanda
zvinosika mhunu ndizvo
zvatingati zvinoshamisa
kupfuura zvimwe zvese muhupenyu.
|
| Vaongorori vaveneruzivo
rwemasikirwo anoitwa
nhengo dzemuviri wemunhu
uye dzinogadzirwa
munhu asati aberekwa -
kazhinji nhumbu ichangobatwa.
|
| Makuriro emwana
ari mudumbu
inguva inozikanwa
seyekugadzirira
panguva iyi
kusikwa kwemunhu
kunoshandisa nhengo dzakawanda,
uye nehunyanzvi
nemashandiro akasiyana-siyana
kuitira kurarama pakuberekwa.
|
Capítulo 2 Terminologia
|
| Muvanhu, nhumbu
Inotora masvondo makumi matatu nemasere
kana tichitanga kuverenga
kubva musi wekusangana,
kana kuti,kubva pakubata
nhumbu kusvika pakuberekwa.
|
| Mumasvondo masere ekutanga
muchangosangana,
magadzirirwo emwana
anozivakanwa seemburiyo
izvi zvinoreva kukurira mukati.
Nguva iyi inonzi
nguva yekugadzira embryo,
uye ndipo panogadzirwa zvakaita
senhengo dzemuviri dzese.
|
| Panoguma masvondo masere
kusvikira pakukwana kwenhumbu,
mwana anenge achikura
anodaidzwa kuti "fetus,"
zvinoreva munhu asati aberekwa.
Nguva iyi inonzi,
nguva yekufetus.
Muviri unotangakukura uye nhengo
dzemuviri dzinotanga kushanda
|
| Zvese zvinoitika panguva
Ino,
Zvinotanga kubvira panguva yekusangana
yemunhurume nemunhukadzi
|