| |
O Período Fetal (8 semanas até o Nascimento)
Capítulo 37 9 Semanas: Engole, Suspira e se Estica
|
| |
| Zera re"fetal period" rinoguma
panoberekwa mwana.
|
| Pamasvondo mapfumbamwe,
kuyamwa chigunwe kunotanga,
iyi ndiyo nguva mwana anenge
avekumedza "amniotic fluid".
|
| Pano "fetus" inenge yavekubata
zvinhu,
kufambisa musoro kuendesa kumberi
nekumashure,
kushama nekuvhara muromo, kufambisa
rurimi, kufemereka nekuzvitatamura.
Tsinga dzekumeso,
nedzemukati memaoko,
nemukati metsoka
dzinenge dzavekunzwa kubatwa.
"Kana ikabatwa zvinyoro-nyoro
mukati metsoka,"
"fetus" inokotamisa magaro
nemabvi kanakupeta zvigunwe.
|
| Pano maziso anenge
Akanyatsovharwa.
|
| Muhuro munenge mavekuwonekwa,
nhengo dzekubudisa izwi
uye izvi zvinoreva
kuti izwi ravekuzobuda.
|
| Muvanasikana, chibereko
chinenge chavekuonekwa uye
zvese zvemumhukadzi zvinenge zvavepo,
ma "cell" acho anonzi "oogonia",
anenge achigadzirwa
muma "ovary".
Zvinoratidza kuti
munhuyiko zvoonekwawo
kuvakomana kana vasikana.
|
Capítulo 38 10 Semanas: Revira os olhos e Boceja, Unhas e Impressões Digitais
|
| |
| Kukura kwakakurumidza pakati
pemasvondo mapfumbamwe negumi
kunowedzera huremo hwemiri
zvakanyanya (75%).
|
| Pamasvondo gumi, kubwaira
kunenge kwatanga
kunokonzera kuti ziso rigone
kufamba richitarisa pasi.
"Fetus" inotanga kushama
nekuvhara muromo.
|
| "Fetus" zhinji dzinoyamwa
chigunwe chekurudyi.
Divi rehura mudumbu
hwakabatana neguvhu
hwavakudzokera
mukati medumbu.
|
| Kusimba kwemapfupa
kwavekuitika.
|
| Nzara dzeminwe nezvigunwe
dzinenge dzavekutanga kukura.
|
| Minwe yakasiyana-siyana inotanga
Kubuda pakupera kwemasvondo gumi.
Izvi ndizvo zvinoshandiswa
pakuzivisa munhu muhupenyu hwese.
|
Capítulo 39 11 Semanas: Absorve Glicose e Água
|
| |
| Pamasvondo gumi nerimwechete
mhuno nemuromo
zvinenge zvanyatsobuda.
Sezvinoita nhengo dzemuviri,
zvinoshanduka nekukura uye
nguva yega-yega inezvainoita
pamakuriro emunhu.
|
| Hura hunotanga
kuchengeta zvekudya nemvura
zvinenge zvamedzwa ne"fetus".
|
| Kuti munhuyiko?
zvinogadzirwa pakusangana,
zvonoratidza kuti munhuyiko
zvinotanga kuonekwa
pamurume kana mukadzi.
|