| |
Capítulo 40 3 a 4 Meses (12 a 16 Semanas): Papilas Gustativas, Movimento de Mandíbula, Reflexo de Sucção, Percepção dos Primeiros Movimentos do Feto
|
| |
| Pakati pemasvondo gumi
nerimwe negumi nemaviri
huremo hwe:fetus" hunowanda
zvakaita (60%).
Pamasvondo 12 ndipo Panopera
chidimbu chechitatu chekutanga,
kana kuti "trimester",
yenhumbu.
|
| Pano zvinopa kuraira zvinodyiwa
zvavakuwanikwa mumukanwa.
|
| Panozvarwa mwana, zvekuraira
Kudya zvinowanikwa
parurimi chete nemukati
nechepamusoro pemukanwa.
|
| Pano tsvina inotanga kubuda
pamasvondo guminemaviri
zvigoramba zvakadaro kusvika
masvondo matanhatu.
Tsvina iyi inobuda mu'fetus'
nemuvana vacheche
inonzi "meconium".
Inosanganisa
zvinonzi ma"enzyme" anobatsira
kuzeya,
ma'proteins',uye dzimwewo
nhengo dzakafa
dzinenge dzichibuda muhura.
|
| Pamasvondo makumi maviri,
kureba kwemaoko
kunenge kwava kuzokwana
kusvika pazera remunhu.
Makumbo anotora nguva yakareba
kusvika pazera
rakakwanira munhu.
|
| Kusara kwemusana
nepanhova,
muviri wese kana "fetus"
yave kuvhunduka ikabatwa.
|
| Zvinoita kutivarume nevakadzi
vasiyane
zvinotanga kuonekwa.
"Fetus" yechikadzi inoratidza
kufambisa muromo zvakanyanya
kupfuura "fetus" yechirume.
|
| Izvi zvakasiyana nekuvhunduka
kunoitika pakutanga,
iyi ndiyo nguva mwana
anocheukira kuri kubva
chekudya uye muromo uchivhurwa.
Kucheuka uku kunonzi
"rooting reflex"
uye kunoramba kuriko
mwana azvarwa,
uye kunobatsira kuti mwana
agone kuwana kunezamu ramai
paanenge achiyamwa.
|
| Kumeso kunoramba kuchikura
apawo nyama inowanikwa
matama otanga kukura
mazino achitangawo kumera.
|
| Pamasvondo gumi nemashanu, tsinga
dzeropa dze"stem cells" dzinokura
dzichiwanda mumwongo wemapfupa.
Apa ndipo panogadzirwa
ropa rakawanda.
|
| Kufamba-famba kunotanga
musvondo rechitanhatu re"embryo",
mudzimai ane nhumbu anonzwa
kufamba-famba
pakati pemasvondo gumi nemana
negumi nemasere
Chiitiko ichi chinopiwa
zita rekuti "quickening".
|