| |
Desenvolvimento Embrionário: 4 a 6 Semanas
Capítulo 11 4 Semanas: Líquido Amniótico
|
| |
| Mumashure memasvondo mana
mvura inonzi "amnion"
inokomberedza "embryo"
igozadza munogara zai.
Iyi mvura haina hutachiona
uye inonzi "amniotic fluid",
uye ndiyo inodzivirira "embryo"
kuti isakuvadzwe.
|
Capítulo 12 O Coração em Ação
|
| |
| Mwoyo unorova zvinoverengeka Kuita
zana nemakumi matatu piminiti rega.
Apa onaiwo
Kuchinja ruvara kunoita mwoyo
kana ropa richipinda nekubuda
munhengo dzemwoyo paunorova.
Mwoyo unorova kanokwana
makumi mashanu emamiriyoni
mwana asati aberekwa
uye zviuru zvitatu zvemamiriyoni
Kana tichiyera upenyu
hwemakore makumi masere
|
Capítulo 13 O Crescimento do Cérebro
|
| |
| Makurumidziro ekukura kweuropi
kunoonekwa nemapindukiro eruvara
rwe "forebrain",
"midbrain",
ne "hindbrain".
|
Capítulo 14 Brotos dos Membros
|
| |
| Maoko nemakumbo
anoonekwa kutanga kukura
nekubuda kwezvinenge
mazvimbiswa mumasvondo mana.
|
| Apa ganda rinenge
richinjenjemera
nekuti rinenge
rakakora se'cell' rimwechete.
Kana ganda richikora,
kunjenjemera uku kunopera,
zvinoreva kuti tinogona
kuona nhengo dzemukati
dzichikura kwemwedzi
mumwechete unotevera.
|
Capítulo 15 5 Semanas: Hemisférios Cerebrais
|
| |
| Pakati pemasvondo mana nemashanu,
uropi unoenderera
nekukura
hwopetana-petana
kuita mapato mashanu akasiyana.
Musoro unotora nzvimbo huru
ye hukuru hwe"embryo".
Nzvimbo inogara huropi
Inenge denderedzwa ndiyo
inoratidzika ichikura
panhengo dzose dzeuropi.
Mabasa ese anotanga
kuitwa nehuropi
anosanganisa pfungwa, kudzidza,
kuchengeta pfungwa, kutaura,kuona,
kunzwa, kufambisa nhengo
dzemuviri,
uye kupindura mibvunzo yakaoma.
|
Capítulo 16 Vias Respiratórias Principais
|
| |
| Pakugadzirwa kwenhengo dzekufema,
divi rekurudyi nedivi rekuruboshwe
rwemapapu rwunenge rwakasiyana
uye rwuchazobatana gare-gare
negurokuro
nemapapu.
|
Capítulo 17 Fígado e Rins
|
| |
| Onaiwo kukura kwechitaka
chakazadza dumbu
uye chakabatana
nemwoyo urikurova.
Itsvo dzakakwana dzinoonekwa
mumashure memasvondo mashanu.
|
Capítulo 18 Saco Vitelino e Células Germinativas
|
| |
| Kasaga kane ma"cell"
ekutangisisa kuvaka munhu
anonzi ma"germ cells".
Mumasvondo mashanu
aya ma "germ cell" anotama
kuenda kunezvekuita mwana
zvinowanikwa pedyo neitsvo.
|
Capítulo 19 Placas da Mão e Cartilagem
|
| |
| Mumasvondo mashanuwo,
"embryo" inoita
zvekuvaka maoko,
uye mabhonzo akapfava anotanga
kuitwa kwapera masvondo mashanu.
Pano tinoona
Kugadzirwa kweruoko rweruboshwe
nechanza chacho mumasvondo
mashanu nemazuva matanhatu.
|